Galatians 6

Mirairo yekubatsirana

1Hama, kanawo munhu akawirwa nekumwe kudarika, imwi veMweya mugadzirisei wakadai nemweya weunyoro, uchizvichenjerera iwe, zvimwe newe ungaidzwa. 2Takuriranai mitoro yenyu, saizvozvowo zadzisai murairo waKristu. 3Nokuti kana munhu achizviti ndiri chinhu, asati ari chinhu, anozvinyengera. 4Asi umwe neumwe ngaanzvere basa rake amene, zvino ipapo achazvirumbidza pamusoro pake amene ega, uye kwete pamusoro peumwe. 5Nokuti umwe neumwe achatakura mutoro wake pachake. 6Uye anodzidziswa shoko ngaagovane neanodzidzisa pazvinhu zvese zvakanaka. 7Musanyengerwa, Mwari haasekwi; nokuti chimwe nechimwe munhu chaanodzvara ndichowo chaanokohwa. 8Nokuti anodzvara kunyama yake, achakohwa kuora kunobva panyama; asi anodzvara kuMweya achakohwa upenyu husingaperi hunobva kuMweya. 9Asi ngatirege kuneta pakuita zvakanaka; nokuti nenguva yakafanira tinozokohwa, kana tisingaori moyo. 10Naizvozvo zvino zvatine mukana, ngatiite zvakanaka kune vese, zvikuruwo kune veimba yerutendo. 11Onai kuti akakura sei mavara andinokunyorerai nawo nerwangu ruoko. 12Vese vanoda kuonekera panyama, ndivo vanokurovererai kuti mudzingiswe; chete kuti varege kushushwa nekuda kwemuchinjikwa waKristu. 13Nokuti kunyange ivo pachavo vakadzingiswa havachengeti murairo, asi vanoda kuti mudzingiswe, kuti vazvirumbidze panyama yenyu. 14Asi kwandiri ngakurege kuva nekuzvirumbidza, kunze kwepamuchinjikwa waIshe wedu Jesu Kristu, naye nyika yakarovererwa pamuchinjikwa kwandiri, neni kunyika. 15Nokuti muna Kristu Jesu kudzingiswa kana kusadzingiswa hakuna maturo, asi chisikwa chitsva. 16Uye vese vanofamba nemurairo uyu, rugare ngaruve pamusoro pavo, netsitsi, nepamusoro paIsraeri waMwari. 17Kubva ikozvino, ngakurege kuva nemunhu anonditambudza; nokuti ini ndakatakura pamuviri wangu rupawo rwaIshe Jesu. 18Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu, ngadzive nomweya wenyu, hama. Ameni.

Copyright information for Shona